1 Thessalonians 5

Kuuya kwaIshe

1Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe, 2nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika; 3nokuti pavanoti: Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki. 4Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha. 5Imwi mese muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima; 6naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke. 7Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku. 8Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive ngowani. 9Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu, 10wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye. 11Saka kurudziranai, muvakane, sezvamunoitawo.

Kunyevera kwekupedzisira nekuonekana

12Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai, 13uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu. 14Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vese. 15Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzese teverai zvakanaka, zvese pakati penyu nekune vese. 16Farai nekusingaperi; 17nyengeterai musingamiri; 18vongai pazvinhu zvese; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi. 19Musadzima Mweya; 20musazvidza zviporofita; 21idzai zvinhu zvese; mubatisise zvakanaka; 22ibvai pakuonekwa kwese kwekuipa. 23NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya wenyu wese, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. 24Wakatendeka iye anokudanai, achazviitawo. 25Hama, tinyengetererei. 26Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene. 27Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzese. 28Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.

Copyright information for Shona